Kuremekedzwa KwaAmai Auxilia Mnangagwa neHarvard University Kunoshorwa Ne Vaimbomiririra America muZimbabwe

Auxilia Mnangagwa

Vaimbove vamiriri veAmerica ku Zimbabwe vanyora tsamba ku Harvard University vachishora kukudza kwayakaita Amai Auxilia Mnangagwa, mudzimai wemutungamiriri wenyika, vaEmmerson Mnangagwa.

Svondo rapfuura, Harvard University yakarumbidza ikaremekedza Amai Mnangagwa ichiti vanoita basa guru mune zvehutano muZimbabwe ichiti ichashanda navo munyaya dze zvehutano.

Asi vanyora gwaro iri kuHarvard University, avo vanosanganisira vamwe vaimbomiririra America muZimbabwe nemu Botswana pamwe chete nevamwe vaishanda mumahofisi ezvekudyidzana nedzimwe nyika, State Department, vanoti Harvard University irikusvibisa zita rayo iro rinozikanwa nekukudzwa pasi pose munyaya dzezvehutano.

Vanyori ava vakumbira vakuru veHarvard University kuti vatorere Amai Mnangagwa chiremekedzo chavakavapa.

Vamwe vevaisa ruvoko rwavo pagwaro iri vanosanganisira VaHarry Thomas, avo vakamiririra America muZimbabwe kubva muna 2015 kusvika muna 2018, VaBruce Wharton (2012-2015, VaCharles Ray (2009-2012), VaChristopher Dell (2004-2007) naAmai Michelle Gavin, avo vaive mumiriri weAmerica kuBotswana kubva muna 2011 kusvika muna 2014.

Vamwe vanoita gumi nemumwe vaive nemabasa makuru kuState Department vakaisavo ruoko rwavo pagwaro iri.

Vanodzidzisa zvematongerwo enyika paWellesley College kuMassachusetts, Doctor Chipo Dendere, vaudza studio 7 kuti zvinovagozhera kuti vabvume kuti kuremekedzwa kwakaitwa Amai Mnangagwa kwakanyatso dzeyewa zvakakwana neavo vanochengetedza zita rechikoro chikuru ichi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Chipo Dendere