Huwandu hweVanhu Vari Kufa neKorera Huri Kuramba Huchikwira

Varwere vekorera vakamirira kurapwa pane imwe kiriniki muHarare.

Hurumende inoti hwuwandu hwevanhu vafa nevari kubatwa nechirwere chekorera huri kuramba huchikwira.

Gurukota rezveutano, VaObadiah Moyo, vakati vanhu makumi maviri nevashanu vanga vafa nechirwere chekorera. VaMoyo vakatiwo huwandu vabatwa nechirwere ichi hwasvika pavanhu zviuru zvitatu nemazana manomwe ane makumi matanhatu nevana.

VaMoyo vakataura mashoko aya nezuro apo vakange vachitambira rubatsiro rwekurwisa chirwere chekorera. VaMoyo vakati kunyange hazvo huwandu uhwu huri kukwirira, vane tarisiro yekuti hudzike munguva shoma shoma iri kutevera sezvo hurumende iri kutora matanho akasiyana siyana kupedza chirwere ichi.

VaMoyo vakatiwo hurumende iri kumisa kutengeswa kwezvinhu mumigwagwa muguta reHarare rese.

Hurumende inoti iri kushanda pamwe chete nemakanzuru kuendesa mvura yakachena kunzvimbo dzine dambudziko rechirwere chekorera.

Kambani yenharembozha yeEconet yapa rubatsiro rwemamiriyoni gumi emadhora, ukuwo Lotto pasi pe President’s Fund yapawo rubatsiro rwezana rezviuru zvemadhora.

Mari iyi ichashandiswa mukurwisa korera. Kambani yedzimotokari yeQuest yapawo bazi rezveutano rhori yekubatsira mukurwisa chirwere chekorera.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Patricia Mudadigwa