Bazi rezveHutano Rinoti Kushaya Mvura Yakachena Kwopa Kuti Chirwere cheManyoka Chipararire muVana.

Nyanzvi yezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezve hutano Dr Portia Manangazira vanoti zvirwere zvemanyoka zviri kuramba zvichitekeshera muvana vari pasi pemakore mashanu. Izvi zviri kukonzerwa nekushomeka kwemvura yakachena.

Dr Manangazira vanokurudzira veruzhinji kuti vafashaidze mvura yavo yekunwa vasati vapa vana nemhuri yese kuitira kuti zvirwere zvemanyoka zvisarambe zvichiapararira.

"Tinokurudzira veruzhinji kuti vaite zvehutsanana zvinosanganisira kufashaidza mvura isati yashandiswa nekugeza mawoko kuitira kuti zvirwere zvemanyoka zvicharambe zvichitekeshera munyika," Dr Manangazira vaudza Studio 7.

Dr Manangazira vanoti nhomba yeROTA virus yavari kudonhedzera vana iri kubatsira mukudzikisira huwandu hwevana vane makore mashunu zvichidzika vari kubatwa nezvirwere zvemanyoka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaDr Portia Manangazira