Sangano rinomirira vanachiremba vari kuramwa mabasa reZimbabwe Hospital Doctors Association, rinoti ramirira kunzwa kubva kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mushure mekunge raita musangano nenhumwa dzavo neChitatu.
Mubati wehomwe musangano iri Doctor Prince Butau vati vari kutarisira kunzwa kubva kuna VaMnangagwa chero nguva China kana Chishanu.
VaMnangagwa, avo vambenge vaenda pazororo, vakadzoka nechimbi-chimbi kuti vaedze kugadzirisa dambudziko rekuramwa mabasa kwavanachiremba iri.
Zvinhu muzvipatara zvose zvehurumende zvinonzi hazvichina kumira zvakanaka kubva vanachiremba zvavatanga kuramwa musi wa 1 Zvita gore rapera.
Asi mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa dambudziko iri nechimbi-chimbi uye kupa vanachiremba mari inoita kuti vasanhonge svosve nemuromo.
Your browser doesn’t support HTML5