High Court Inorasa Chikumbiro cheEcoCash Chekuti Vanhu Varambe Vachichinja Mari paMafoni

  • Jonga Kandemiiri

Vanhu vanochinja mari vachishandisa Ecocash vakamirira vanoda kuchinja mari dzavo. Bhanga guru reR-B-Z rinoti vanhu ava ndivo vari kuwedzera kukwira kwemisika mitema.

Dare repamusoro neChipiri rarasa chikumbiro chekambani yeEcoCash chekuti ribvumidze kushanda zvakare kwezviuru zvevanhu vanoita zvekufambiswa kwedzimari vachishandisa nharembozha idzo dzakanga dzavharisirwa nebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, kutanga kwemwedzi uno.

Bhanga reRBZ ranga riine fungidziro yekuti vanhu ava ndivo vari kukuchidzira musika mutema.

Richipa mutongo waro, dare repamusoro iri rati haringarambidze kushanda kwemutemo, richiti kutonga richitsigira EcoCash kunotadzisa RBZ kuita mabasa ayo sezvinobvumidzwa nemutemo.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti zvanga zvagara zviri pachena kuti RBZ iri kunangana nevanofambisa dzimari kuEcoCash ava kwenguva ndefu.

Vanoti kunyange hazvo danho iri ratorwa, rasiyawo pamhene mhuri dzakawanda dzanga dzichiraramiswa nemabasa ekufambisa mari aya, sezvo vasisina mabasa.

Asi VaKuchera vanoti havaoni danho iri richigadzirisa dambudziko riri kukonzerwa nemisika mitema pakutengeswa kwemari yekunze.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMasimba Kuchera