Dare repamusoro, reHigh Court, rakatonga nemusi weChina kuti hapana humbowo hunoratidza kuti vaimbove gurukota rezvehutano, Dr Obadiah Moyo, vanemhosva yavakapara.
Dr Moyo vakasungwa muna chikumi gore rakapera vachipomerwa mhosva yekusatevedzera mitemo mukupa basa rekutengwa kwezvikwanisiro zveCovid-19, kana kuti tender, kwavakaita kukambani yeDrax International.
Basa iri rakanga riri rekutsvakira hurumende yeZimbabwe zvekubatsira mukurwisana nedenda reCovid-19 zvaikosha mamirioni makumi matanhatu emadhora ekuAmerica (US$60 million).
Vachipa mutongo wavo, mutongi wenyaya iyi, Justice Kwenda, vakati mapepa akanga ari mberi kwavo akange asingaratidzi kuti pane mhosva yakaparwa naDr. Moyo kana mitemo yavainzi vakatyora.
Nyanzvi mune zvemitemo vachishanda vari mudunhu reTexas muAmerica, VaKennedy Masiye, vanoti mutongo uyu haurevi kuti Dr. Moyo havana mhosva.
Your browser doesn’t support HTML5
Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinorwisa nyaya dzehuori kuchamhembe kweAfrica, reAnti-Corruption Trust of Southern Africa, VaAlois Chaumba, vanoti mitongo yakadayi inokanganisa kurwiswa kwehuori munyika, vachiti nyaya iyi inofanirwa kutangwa patsva nekuti zviri pachena kuti pane zvakaitwa zvisina kufanira.
VaChaumba vanoti izvi zvinoratidza kuti hurumende haina chidokwadokwa chekupedza huwori munyika, zvikuru sei izvi zvaitika mazuva maviri mushure mekuraswa kwemhosva dzaipomerwa vaimbove gurukota muhurumende yaVaRobert Mugabe, VaIgnatius Chombo, avo vaipomerwa mhosva dzakawanda, dzinosanganisira kuzvigovera masitendi ekuvakira dzimba anoita zana nemakumi maviri nemashanu.
Your browser doesn’t support HTML5