Kambani yeNatPharm Inoramba Kuti Nyika Yopererwa neMishonga yeHIV/Aids

Pasi rose rine tarisiro yekuti pawanikwe mushonga nekukasika.

Komiti yedare reSenate inoona nezveHIV/AIDS pamwe nekomiti yeparamende inoona nezvehutano dzaratidza kusafara mushure mekunge kambani yehurumende yemishonga, yeNational Pharmaceutical Company of Zimbabwe, Natpharm,, yapa huchapupu hwekuti mishonga inotorwa nevanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS munyika iripo inokwana.

Komiti mbiri idzi dzanga dzadaidza vanhu vakasiyana-siyana vane chekuita nekuwaniswa kwemishonga yema Anti-Retroviral Therapy, kana kuti ART, munyika kuti vanzwe pamusoro petsamba yenyunyuto yakanyorwa nesangano revanorarama neHIV/AIDS vachiti mishonga yavanonwa iri kunetsa munyika.

Vanga vadanwa kuzopa huchapupu vanosanganisira National Aids Council, Natpharm, Medicines Control Authority of Zimbabwe pamwe ne Zimbabwe Country Coordinating Mechanism for Global Fund.

VaLameck Chipo Mwaramba, avo vanga vakamirira NatPharm, vati havana dambudziko remishonga yeART iyi.

Asi izvi zvarambwa naVaOscar Mundida, vanove murongi wezvirongwa zveGlobal Fund munyika kana kuti Zimbabwe Country Coordinating Mechanism for Global Fund, avo vanoti mishonga mishoma uye zviri kuitwa zvekupa vanhu mishonga yemavhiki maviri hazvitarisirwi.

VaMundida vati kana zvinhu zvakanaka munyika vari pamishonga iyi vanofanirwa kupiwa mishonga yemwedzi miviri kana mitatu.

VaMundida vatorawo mukana kutsanangura kuti mari yakawanikwa neZimbabwe kubva kuGlobal Fund (2018-2020) inodarika zvishoma madhora mamiriyoni mazana mashanu inopiwa yese asiwo vakati hurumende yeZimbabwe yakavimbisawo kuti parubatsiro rwavakapiwa urwu ichaisawo madhora mamiriyoni makumi matatu ane mazana matanhatu kubatsira munyaya yehutano.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Rutendo Mawere

Asi Nationa Aids Council yati pamari iyi hurumende yakaisa madhora zviuru mazana matatu chete kusvika pari zvino

VaAlbert Manenji, vanove vakafanobata chigaro chemukuru weNational Aids Council, vanga vataurawo kuti sangano ravo harina mari yekunze yekutenga mishonga inozivikanwa kunzi ye 2nd line drugs.

Kusabuda pachena kweNatpharm uku kwasiya dzimwe nhengo dzeparamende neseneti dzichitsutsumwa nekusabuda pachena uku.

Senator Lilian Timveous vekudunhu reMidlands vari veMDC vayeuchidza VaMwaramba kuti vanofanirwa kutaura chokwadi sezvo vanga vatora mhiko izvo zvatsigirwa nedzimwe nhengo.

Zvichakadaro kune vamwewo vari kunyunyuta nekuenda kwegurukota rezveutano Doctor Obadiah Moyo kuNewYork kumusangano weUnited Nations zvinhu zvakaita panyama amire nerongo muzvipatara zvehurumende.

VaVivid Gwede vanoti VaMoyo vanga vachifanirwa kutanga vaona kuti kuzvipatara kwave navanachiremba.

Vanachiremba havasi kuenda kumabasa vachiti havana zvikwanisiro zvekuti vashandise kuenda kunzvimbo dzavanoshandira.