Sangano rinomiririra vana chiremba vanoshanda muzvipatara zvehurumende, reZimbabwe Hospital Doctors Association, ZHDA, rinoti nhengo dzaro hadzisi kuzodzokera kubasa kusvika hurumende yatenderana naro pazvinhu zvavanoda kuona zvichiitwa kwavari nemuzvipatara.
Mutungamiri wesangano iri, Dr Elias Muzoremba, vaudza Studio7 kuti sangano ravo rave nenguva richiudza hurumende zvarinoda, asi zvinovakatyamadza kuti kusvika pari zvino hurumende haisati yaburitsa pachena kuti zvainokwanisa kuita ndezvipi kunze kwekungotsika madziro pamwe nekutyityidzira vana chiremba.
“Ndinofunga kuti hurumende inofanira kuitawo chimwe chinhu nekuti isu tiri kuvati takuudzai zvatinoda ko imi munei chamunoda kutipa kana kutiitira. Isu tine zvatataura zvatinoda, ko hurumende ineyi pane zvatinoda. Hapana. Hurumende yakangonyarara ichiti haina mari,” vadaro VaMuzoremba
Vana chiremba ava vave nemazuva makumi matatu nerimwe vachiramwa mabasa vachiti vanoda kuti mari dzavo dzepamwedzi dziwedzerwe uye kuti vatambiriswe nemari yekuAmerica, kuwanikwa kwemishonga muzvipatara kuitira kuti varwere vasaomerwe nehupenyu pavanenge vachirapwa.
Chiremba anotambiriswa mwedzi wega mazana matatu nemakumi maviri nemadhora mapfumbamwe, asi mari yacho ichiuya iri yema RTGS.
Gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, vanoti kunyange hazvo hurumende isina mari, vacharamba vachitaura navana chiremba ava kuitira kuti pawanikwe danho rekutora.
Svondo rapera, vana chiremba vari musangano reZimbabwe Medical Association vakakurudzira hurumende kuti igadzirise zvichemo zvavana chiremba, kutadza kwayo, vana chiremba ava vaizobatana nevamwe vavo mukuramwa mabasa.
Dr Muzoremba vanoti havasi kudzokera kubasa kusvika hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo zvose.
Your browser doesn’t support HTML5