VaMavhinga Vanoti Zimbabwe Yapihwa neEU Mukana Wekuti Igadzirise Hukama Hwayo neNyika Idzi

Dewa Mavhinga

Sangano re European Union, EU, rakasendeka parutivi nemusi weMuvhuro zvirango zvakatemera vanhu vana muZimbabwe.

EU flag

Vakasendekerwa parutivi zvirango kwegore rose vanoti mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga; gurukota rezvekurima, VaPerence Shiri, mukuru wemauto munyika, Va Phillip Valerio Sibanda, pamwe nemudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika, muchakabvu Robert Mugabe, Amai Grace Mugabe.

Le vice-président du Zimbabwe Constantino Chiwenga à Harare, le 14 aout 2018

Asi EU haina kunyevenutsa zvirango izvi kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nekambani yemauto, ye Zimbabwe Defence Industries.

Kunyange hazvo tisina kukwanisa bata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, kuti tinzwe pamire hurumende padanho rakatorwa neEU iri, hurumende yakaburitsa mashoko ichi kunyange hazvo iri kufara nekunyevenutswa kwaitwa neEU panyaya yezvirango, Zimbabwe icharamba yakamira neshoko rayo rekuti zvirango izvi hazvina nematuro ose.

Mumashoko avo avaisa pa Twitter yebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, gurukota rebazi iri, Retired Lt. General Sibusiso Moyo, vati hurumende inoti zvirango zvose zvakatemerwa Zimbabwe hazvitambirike, uye nguva yazvo yakapera kare.

VaSibusiso Moyo

Vatiwo zvirango izvi zviri kuvhiringa hurongwa hwehurumende hwekuvandudza zvinhu munyika.

Nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu uye vari mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti danho ratorwa neEU rinopa Zimbabwe mukana wekuti igadzirise nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu kuitira kuti ive nehukana hwakanaka nenyika dziri muEU.

Dewa Mavhinga, the southern Africa director at Human Rights Watch, says the Zimbabwe army should stay in barracks since the county is not in a state of emergency.

VaMavhinga vanoti chitsvambe chave kuZimbabwe kuti ichiratidza kuti ine chido chekuremekedza kodzero dzevanhu, uye vose vanowanikwa vachityora kodzero dzevanhu, vasungwe nemitemo yenyika.

VaMavhinga vanotiwo zvakakosha kuti Zimbabwe ionekwe ichiita zvakakurudzirwa neMotlanthe Commission, iyo yakaferefeta kuurayiwa kwakaitwa vanhu nemasoja munhirizhonga yakaitika muna Nyamavhuvhu 2018.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga