Zvichitevera kurudziro yehurumende yekuti vanhu vakaurayiwa munguva yeGukurahundi vafukurwe nekuvigwa patsva, vagari vemunharaunda yeSipepa, kuTsholotsho, mudunhu reMatabeleland North nezuro vakaona chiitiko chekutanga chekufukurwa kwevanhu vaviri vanonzi vakapfurwa nemauto eFifth Brigade vakafa muna 1983.
Mapfupa evaviri ava, VaJustin Tshuma nemudzimai wavo, Muzvare Thembi Ngwenya, avo vaive vakaroorana, anonzi akafukurwa pedyo nenjanji yechitima, apo vakavigwa nevamwe vagari vanonzi vakamanikidzwa nemapurisa kupfuchira vaviri ava.
Hurongwa uhwu hwaitungamira nesangano reUkuthula Trust pamwe chete komisheni yezvekupodzwa kwemaronda, yeNational Peace and Reconciliation Commission, vachishanda nemhuri dzevafi.
Mapfupa evaviri ava anonzi achazochengetedzwa zvakanaka mumazuva achatevera.
Asi mukuru werimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu vakashungurudzwa neGukurahundi, rePost Independence Survival Trust, VaFelix Magalela Mafa-Sibanda, vanoti hurongwa uhwu hahuna kunyatsojeka kuti huri kubatwa pamwe nemadzishe, masabhuku pamwe nevedzimhuri dzakashaikirwa here.
VaMafa-Sibanda vanoti vatungamiri vehurumende vanofanirwawo kubuda pachena kuti ndivo vakakonzeresa kuurayiwa kwevanhu, vokumbira ruregerero.
Your browser doesn’t support HTML5
Va