Zimbabwe yabatana nedzimwe dzepasi rose mukucherechedza zuva rekukurudzira vanhu kuti vadzivirire kupararira kwechirwere cheHIV/AIDS kana kuti World AIDS Day.
United Nations yakatara musi 1 Zvita gore rega rega semusi wekucherechedza zuva iri.
Dingindira reWorld Aids Day gore rinoti “Ending the HIV/AIDS Epidemic: Resilience and Impact”.
Vachitaura panhepfenyuro yeZBC neMuvhuro manheru, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati gore rino, kucherechedzwa kwe zuva iri kunokosha nekuti nyika dzepasi pose dzakatarisana nechirwere che Covid-19.
VaMnangagwa vakati hazvigoni kuti Zimbabwe inangane nekurwisa AIDS/HIV chete isingatarisi mamiriro akaita zvipatara nezvose zvinoshandiswa mukuunza hutano kuvanhu.
Vakati hurumende yavo iri kugadzirisa mamiriro ezvehutano munyika kuti ikwanise kubatsira vanhu nekukurumidza.
VaMnangagwa vakavimbisa kuti hurumende ichabudirira muchirongwa che 90/90/90 sezvo Zimbabwe ichitove mberi muzvizhinji zvezvinangwa izvi. Zvinangwa izvi ndezvekuti vanhu makumi mapfumbamwe kubva muzana vazive vavhenekwe uye kana vavhenekwa vapinde muchirongwa chekupihwa mapiritsi.
Zuva reWorld AIDS Day rakatanga kucherechedzwa muna 1988. Rinopa mukana kumasangano nevanhu pasi pose kuti vabatane mukurwisa mukondombera uyu, uye kukurudzira ruzivo pamusoro pechirwere ichi, pamwe chete nekubvisa pfungwa yekusarudza vanenge vabatwa nacho.
Dr Simbiso Ranga, vanoshanda mudunhu reNorth Carolina, muAmerica, vaudza Studio 7 kuti senyika, Zimbabwe inofanirwa kuona kuti chirwere che Covid-19 hachikanganisi basa riri kuitwa mukurwisa HIV/AIDS.
Your browser doesn’t support HTML5