Zimbabwe Haina Kugadzikana Munyaya dzeHupfumi

  • Jonga Kandemiiri

Zimbabwe inonzi imwe yenyika dziri pasi-pasi munyaya dzeupfumi, sezvo upfumi hwayo huri kuramba hwakadzikira nekuda kwemitemo ine chekuita nenyaya dzeupfumi.

Mugwaro reongororo yakaburitswa neWorld Economic Forum, sangano iri rinoti Zimbabwe iri panhamba 139 kubva panyika 141 dzakaongororwa.

Nyika gumi dzinonzi dzakapfuma dzinosanganisira New Zealand, Switzerland, Chile, America, Canada neUnited Kingdom.

Nyika dziri pasi pasi pamwe chete neZimbabwe dzinoti Algeria, D-R-C, Burundi neGuinea-Bissau.

Imwe nyanzvi munyaya dzezveupfumi, uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti ongororo iyi inoodza mwoyo yevekunze vanenge vachida kuzovamba mabhizimusi munyika.