Zimbabwe Inopihwa neUnited Nations US$5,6m yeKurwisa Gwirikwiti

Mari iyi ichabatsira hurongwa hwe hurumende, UNICEF, World Health Organisation, nevamwe mukurwisa chirwere chegwirikwiti chauraya vana vanopfuura mazana matatu nemakumi masere ane vana munyika

Zimbabwe yawana rubatsiro rwemari inosvika mamiriyoni mashanu nezviuru mazana matanhatu zvemadhora ekuAmerica, kana kuti US$5,6m yekushandisa muhurongwa hwekubaya vana nhomba, kuitira kuti vasabatwe nechirwere chegwirikwiti.

Mari iyi yabva kusangano reUnited Nations Central Emergency Response Fund. Mari iyi ichabatsira hurongwa hwehurumende, UNICEF, World Health Organisation, nemamwe masangano mukurwisa chirwere chegwirikwiti chauraya vana vanopfuura mazana matatu nemakumi masere ane vana munyika.

Vana vanopfuura zviuru zvitanhatu vakatobatwa nechirwere ichi kubva muna Gunyana gore rapera, zvikuru vechitendero chechipostori vasingadi kubayisa vana.

Mutauriri weUNICEF muZimbabwe, Muzvare Tsitsi Singizi, vanoti mari iyi ichabatsira zvikuru muhurongwa hwavo.


Dr Ngonidzashe Madidi vanoshanda neUnited Bulawayo Hospitals. Dr Madidi vanoti vana chiremba vanofara nerubatsiro urwu, asi vanganyanya kufara kana vane mari vakabatsira kuti migwagwa inosvika kune vazhinji kumaruwa, igadziriswe nekuti nzvimbo zhinji dzeko hadzisvikiki.