Vamwe Vofarira Mafambisirwo Ari Kuitwa Zvinhu naVaJoe Biden

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

VaDavid Siampondo

Vanhu vakawanda vari kutevera zviri kuitilka mu America vanoti vari kufara nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu nemutungamiri mutsva weAmerica, VaJoe Biden, avo avo vakadzika mutemo wekuti vashandi vese vehurumende vapfeke mamasiki mumahofisi ehurumende izvo zvichabatsira mukurwisa denda reCovid-19.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri mu America, Va David Siamponda, vanoti vari kufadzwa zvakare nehurongwa hwaVaBiden hwekuti nhomba yeCovid-19 ibayiwe vanhu vakawanda pasi pehurongwa hwavo hwekuti vanhu mamiriyoni zana vange vabayiwa nhomba yeCovid-19 panosvitsa VaBiden mazuva zana vari muhofisi.

VaSiampondo vanotiwo danho rekusvitswa kwemapepa ekuti vaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonal Trump, vatongwe nedare reSenate vachipomerwa mhosva yekupesvedzera vatsigiri vavo kuti vaite mhirizhonga ku US Capitol, inyaya yakanaka sezvo ichisimbisa hutongi hwejechetere.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDavid Siampondo