VaMnangagwa Vokumbirwa Kubvisa Mitemo Inoshungurudza Vatori Venhau

Mutungamiri wenyika mutsva, VaEmmerson Mnangagwa

Vatapi venhau vanoti vanotarisirawo kuti mutungamiriri wenyika mutsva VaEmmerson Mnangagwa vachagadzirisa mitemo inobata vatori venhau kuti vakwanise kushanda zvakasununguka pasina kushungurudzwa.

Vachitaura neStudio 7, sachigaro weMedia Institute for Southern Africa, VaGolden Maunganidze vati sangano ravo riri kukurudzira VaEmmerson Mnangagwa kuti kumbunyikidzwa kwevatori venhau sezvaiitika pautongi hwaVaRobert Mugabe kusadzokorodzwe.

VaMaunganidze vakurudzira mutungamiri mutsva uyu kuti bumbiro remitemo yenyika, iro rinopa kodzero kuvatori venhau, riremekedzwe.

Mumwe mutori wenhau anoshandira muHarare, Muzvare Anna Chibamu vati vari kutarisirawo kuti mitemo yakadai seAIPPA nePOSA ibviswe sezvo VaMnangagwa vakataura zvebudiriro yenyika pamwe nekuremekedzana. Muzvare Chibamu vatiwo vane tarisiro yekuti marezinesi ekutepfenyura nhau apihwewo kumunhu wese anokodzera.

VaKumbirai Mafunda, mumwe zvakare mutapi wenhau vatiwo apo nyika iri kupinda muhutungamiri hutsva vari kutarisirawo hutongi hunogutsa ruzhinji, kusanganisira kuti vatapi venhau vaite basa ravo pasina kusungwa nekushungurudzwa.

Kunyangwe hazvo bumbiro remutemo wenyika rakanyorwa muna2013 richipa kodzero yekufambiswa kwemashoko pamwe nekuti venhau vashande zvakasununguka, mitemo inodzvinyirira vatapi venhau nekukanganisa mashandiro avo ichiripo, uye hurumende yaivepo yaVaMugabe kusanganisira mapurisa vairova pamwe nekusunga vatapi venhau.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa