Vatori venhau, hurumende nevemasangano akasiyana siyana vaungana muHarare vachichema kushaya kwemutori wenhau, Foster Dongozi.
Vakamboshanda naDongozi kuZimbabwe Union of Journalists, uko ashaya ari munyori mukuru wesangano iri, VaMathew Takaona, vaudza Studio7 kuti indasitiri yekuburitswa kwenhau yarasikirwa zvanyanya nekushaya kwaDongozi.
Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monicaa Mutsvangwa, vati Dongozi munhu anaga akanaka chose.
Kufa kwaDongozi kwakaziviswa nemusi weChitatu zviri pamutemo nemutungamiri weZUJ, VaMichael Chideme.
VaChideme vakati sangano ravo rakarasiirwa zvikuru nekusgaya kwaDongozi.
VaChideme vakati Dongozi akashaya achangosvika kuchipatara cheParirenyatwa achida kurapwa.
Vakati Dongozi akatanga kusanzwa zvakanaka nemusi weMugovera ari kumusangano wakaitirwa kuGweru uko aive chipangamazano.
Paakadzoka kuHarare, Dongozi anonzi kurwara kwake kwakatanga kuwedzera ndokuendeswa kuchipatara chepa Mabelreign Clinic nemusi weChitatu.
Chipatara ichi chakati aendeswe kuWestend Clinic uko asina kuwana rubatsiro rwechimbi chimbi ndokubva azoendeswa kuParirenyatwa uko akashaya nezuro achingosvika pachipatara ichi.
Dongozi akashandira makambani enhau anosanganisira Chronicle, The Standard Newspaper, Studio7 yeVoice of America neDaily News.
Pamusoro pekushanda muZUJ, Dongozi akashandawo nemasangano anoti Southern African Journalists Association, Federation of African Journalists neInternational Federation of Journalists.
Dongozi ashaya ava nemakore makumi mana nemasere, uye kushaya kwake kunoitika panguva iyo vatori venhau vari kuchema mumwe wavo, Tendai Ndemera, uyo akashaya nemangwanani emusi weChipiri.
Ndemera ari kutarisirwa kuradzikwa muHarare nemusi weChishanu.
Asi hurongwa hwekuradzikwa kwaDongozi hausati hwaziviswa.
Gore ra 2020 riri kusvika kumagumo zvinhu zvisina kumira zvakanaka kuvatori venhau zvichitevera kushaya kwevamwe vatori venhau gore rino vanoti Cornelius Nduna, Grace Mutandwa nevamwe.
Your browser doesn’t support HTML5