Mutori wenhau ange ane mukurumbira, Foster Dongozi, aradzikwa neMugovera masikati kumusha kwake ku Sanyati, zvichitevera kushaya kwaakaita nemusi we Chitatu.
Dongozi, uyo ange ari munyori mukuru we Zimbabwe Union of Journalists, ZUJ, akashaya nechirwere che Covid-19 mushure mekurwara kwenguva pfupi.
Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, Va Nick Mangwana, vayambira padandemutande ravo re Twitter, kuti vatori venhau vakasangana naDongozi mumasvondo maviri asati ashaya, vanofanirwa kutora matanho ekusazviisa munzvimbo dzinoita kuti vasangane neveruzhinji, sezvinokuridzirwa nemitemo inobata chirwere che Covid-19.
Mutungamiri weZUJ, VaMichael Chideme, vati Dongozi aradzikwa zvakanaka nevamwe vake vashoma vakwanisa kuenda kumusha kwake.
VaChideme vati vatori venhau vakawanda havana kuenda kunoradzika Dongozi zvichitevera chiziviso chichirwere chakatora hupenyu hwaDongozi.
Mutori wenhau uyu aradzikwa zuva rimwe chete mushure mekuradzikwa kuZororo Memorial Park nemusi weChishanu kwemumwe mutori wenhau, Tendai Ndemera, uyo akashaya nemusi weChipiri mangwanani.
VaChideme vanoti varasikirwa zvikuru nekushaya kwaDongozi, uyo anga ava chipangamazano mazano chevatori venhau vakawanda munyika.
Dongozi akashandira makambani enhau akati kuti anosanganisira The Chronicle, The Standard Newspaper, Studio7 yeVoice of America neDaily News.
Dongozi akashandawo nemasangano anoti Southern African Journalists Association, Federation of African Journalists ne International Federation of Journalists.
Mutori wenhau uyu akashaya ava nemakore makumi mana nemasere ekuberekwa.
Your browser doesn’t support HTML5