Mutori wenhau, Jeffrey Moyo, uyo anoshanda akazvimirira, achapedza kupera kwesvondo rino ari muchitokisi mushure mekunge mutongi wedare
ramajisitireti muBulawayo, Muzvare Rachel Mukanga, vati vachapa mutongo wavo nemusi weMuvhuro pachikumbiro chaMoyo chekuti atongwe achibva kumba.
Moyo, uyo akasungwa nemusi weChitatu ari kupomerwa mhosva yekutyora
mutemo weImmigration Act achinzi akabatsira vamwe vatapi venhau vaviri
vekuAmerica vanoshandira bepanhau renew York Times vasina kudomwa
nemazita, kuti vapinde munyika pamwe nekushanda sevatapi venhau
zvisiri pamutemo.
Moyo anonzi akapara mhosva iyi achishanda naVaThabang Manhika vanove mushandi weZimbabwe Media Commission.
Muchuchisi, VaThompson Hove, vati VaMoyo vakabatsira kuti vatapi venhau vaviri vekunze kwenyika ava vapinde munyika vachizokwanisa kuvawanira magwaro ekuti vashande sevatapi venhau kwechinguva chidiki kana kuti temporary accreditation card zvisinei kuti vaviri ava vaive
vamborambirwa chikumbiro chavo cehkuti vapinde munyika nebazi
rezvekufambiswa kwemashoko.
Vachishandisa huchapupu hwapiwa nemupurisa ari kuferefeta nyaya iyi
VaBen Justin, muchuchisi ati Moyo naVaManhika havafanirwe kupiwa
mukana wekubhadhara mari yechibatiso sezvo mhosva yavakatarisana nayo ine chekuita nekukanganisa kugadzikana kwenyika kana kuti national
security.
Asi gweta raMoyo, VaDoug Coltart, vapikisa maonero aya vachiti nyaya
yekuvhiringidza kugadzikana kwenyika hachizi chezvimwe zvinhu
zvinotariswa nemutemo panyaya dzekuti munhu opiwa mukana wekutongwa achibva kumba here kana kuti kwete.
VaColtart vatiwo nyaya iyi inoratidza pachena kupindira kwehurumende
munyaya dzezvekutapwa kwenhau vachiti pamutemo Zimbabwe Media
Commission yakazvimirira yega uye ine kodzero yekupa vatapi venhau
vemuno kana vekunze magwaro ekushandisa .
VaColtart vaudzawo dare kuti Moyo naVaManhika vakabatwa nenzira isiri
iyo pavakasungwa sezvo vakabvisiswa zvipfeko zvinodziya zvavaive nazvo
uye vakapinzwa muchitokisi chaive navahu vakawanda zvisinei nenjodzi
yekutapurirana kwechirwere cheCovid 19.
Vatiwo muchitokisi mavaive paBulawayo Central Police Station muno
nhuwa uye hamuna kushambidzika vakapa chikumbiro icho chatambirwa
nedare chekuti paitwe ongororo yechitokisi ichi uyewo kuti vanenge
vasungwa vasabatwa nenzira isiri iyo.
Mutongi wedare ati ongororo iyi inofanirwa kuve yaitwa musi wa 9 Chikumi.
Your browser doesn’t support HTML5