Chin'ono Anorara Zvakare Muchitokisi

  • Thomas Chiripasi

Zimbabwe Journalist Hopewell Chin'ono

Mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, uyo asvika padare akaiswa ngetani dzemumawoko, akambonetsana nemapurisa achiti haafanirwe kuendeswa kudare rinotonga mhosva dzehuori.

Chin'ono aratidza kushatirwa apo aendeswa nemapurisa kudare reAnti Corruption Court.

Rimwe gweta raChin'ono, VaGift Mtisi, vati vasvitsa chichemo chaChin'ono kudare iro riri kutarisirwa kupa mutongo waro neChishanu.

Izvi zvinoreva kuti Chin'ono acharara zvakare ari muhusungwa

Rimwe remagweta aChin’ono, Amai Beatrice Mtetwa, vatiwo Chin’ono anga asiri pamberi pedare zvisiri pamutemo sezvo maawa makumi mana nemasere akatarwa mubumbiro remitemo yenyika kuti musungwa ange amiswa pamberi pedare kubva nguva yaanenge asungwa anga adarika.

Mapepa ari pamberi pedare anoti Chi’nono akanyora padandemutande rake reTwitter nyaya dziri mumatare dzinosanganisira yekumbosungwa kwake pamwe nemashoko ane chekuita nemutongi mukuru wematare, Chief Justice Malaba.

Mukuru weMisa-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vashora kushungurudzwa kwavanoti kuri kuitwa Chin’ono.

Chin’ono, uyo akasungwa nemusi weChipiri, akambosungwa muna Chikunguru akagara mujeri kwemasvondo matanhatu achipomerwa mhosva yekukurudzira veruzhinji munyika kuti varatidzire achishandisa dandemutande rake reTwitter.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi