Vatori veNhau Vanocherechedza Zuva reInternational Day to End Impunity Against Journalists

Zimbabwe Anti Government-Protest

Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherevhedza zuva reInternational Day to End Impunity Against Journalists.

Zuva iri rinocherechedza nemusi wa 2 Mbudzi, asi gore rino racherechedzwa muZimbabwe neChishanu, Mbudzi 01, 2019 pahurongwa hwanga huchikokerwa nesangano reUnesco.

Munyori mukuru weZimbabwe Union of Journalists, Va Foster Dongozi, vanoti zuva iri racherechedzwa zvakanaka chose uye hurumende yanga yakamirirwa nevashandi vakuru vakuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko.

Asi VaDongozi vanoti vacherechedza zuva iri panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka sezvo vatori venhau vachigara vakashungurudzwa, zvikuru nemapurisa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

VaDongozi vanotiwo musangano wekucherechedza zuva iri wapindwawo nenhengo dzemakomisheni ari munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFoster Dongozi