Hurumende Inoti Iri Kuongorora Zvakaitika muKanzuru yeBulawayo

Meya Solomon Mguni

Meya veguta reBulawayo, VaSolomon Mguni, vanoti bazi rezvekutongwa kwematunhu ravazivisa kuti richatuma chikwata chevanhu kuBulawayo kunoongorora zvakaitika mukanzuru yeBulawayo, zvinosanganisira kumiswa basa kwakange kwaitwa munyori weguta, VaChristopher Dube, nemutevedzeri wameya, VaTinashe Kambarami, pavakambofanobata chinzvimbo chameya.

VaMguni vati zvichawanikwa nevaongorori ava zvichabudiswa nehurumende mumavhiki mashoma arikutevera.

MuBulawayo makamboita kusagadzikana pakati pemarudzi kusvika meya, pamwe chete nebato reMDC rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa, rapindira.

Asi nyanzvi mukurongwa kwemaguta, VaPrince Sibanda, vanoti bazi rezvekutongwa kwematunhu harifanirwi kupindira munyaya iyi zvachose, vachiti nyaya iyi inofanirwa kugadziriswa nekanzuru yeBulawayo.

VaSibanda vanoti havanzwisisi kuti sei hurumende ichida kupindira munyaya dzekanzuru iyo kanzuru isati yashandisa mapazi ayo ese mukugadzirisa nyaya iyi.