Pasi Rose Rocherechedza Zuva reMadzimai ekuMaruwa

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Women in Zimbabwe

Sangano remubataniodzwa wenyika dzepasi rose weUnited Nations unoti madzimai ari kumaruwa akakosha zvakanyanya mukuvandudza zvinhu munyaya dzezvehupfumi, magariro evanhu uye remangwana rakajeka renyika dzepasi rino.

UN iri kutungamira hurongwa hwekucherechedza zuva remadzimai ari kumaruwa kana kuti International Day of Rural Women. Zuva iri rinocherechedzwa musi wa 15 Gumiguru gore rega rega.

Munyori mukuru weUnited Nations VaBan Ki Moon vanoti madzimai ndiwo chete anokwanisa kendesa nyika dzepasi rino mberi kana vakabatana. Vapawo semuenzaniso amai wavo wavati vagara hupenyu hwavo hwose kumaruwa vachiti kunyangwe vasina kudzidza munhu ane ruzivo rwakadzama.

United Nations munyika dzichiri kubudirira, madzimai anosvika zvikamu makumi mana kubva muzana.

UN yarumbidzawo zvakanyanya madzimai echiTonga ari muZambezi Valley ayo vati vakapa zvikwanisiro zvekuraura hove vakatanga kuizviitira mabasa avo voga. UN inoti mishandirapamwe yemadzimai aya yapa kuti vasatenge hove kubva kuvarume.

Mutungamiri we sangano re The Women’s Trust iro rinoshanda nemadzimai emamaruwa ari munharaunda dzakasiyana siyana munyika, Amai Memory Zonde Kachambwa vanoti zuva iri rakakosha sezvo richipa pasi rose mukana wekutarisawo kukosha kwemadzimai ari mumaruwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaMai Memory Zonde Kachambwa