Mumwe Akapfurwa kuMinda yeMangoda kwaMarange Otsanangura Zvakaitika

  • Jonga Kandemiiri

Vamwe vevanhu vanonzi vari kuchera mangoda kwaMarange zviri kunze kwemutemo.

Vanhu vaviri vanonzi vakafa, vamwe vakawanda vakakuwadzwa mushure mekupfurwa nevanochengetedza minda yemangoda yekambani yehurumende yeZimbabwe Consolidated Diamond Company, ZCDC, kwaMarange nemusi weChipiri vachipomerwa mhosva yekuchera mangoda zviri kunze kwemutemo.

Asi mumwe wevakapfurwa ndokukuwara, Amai Linda Mlambo, vanoti ivo nevamwe vevakapfurwa ndokukuwadzwa muchiitiko ichi vakanga vasineyi nezvekucherwa kwemangoda sezvo vaitotsvaga huni musango risiri pasi pekambani yeZCDC.

Amai Mlambo, avo vane makore makumi matatu temashanu ekuberekwa uye vaine vana vana, vanoti magadhi akavapfura haana kana kumbovazivisa kuti vakanga vapara mhosva yeyi, uye ivo vakazongoona vatove pasi vapfurwa.

Vanoti vakazomhanyiswa kuchipatara cheMutare General Hospital uko kwakazoonekwa kuti vakanga vaine bara mudumbu mavo mushure mekupfurwa nechepambabvu kudivi ravo rekuruboshwe.

Amai Mlambo vanoti panofanirwa kutorwa matanho kune vanhu vakavapfura, sezvo vakanga vasiri kuchera mangoda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Linda Mlambo

Asi mutauriri weZimbabwe Consolidated Diamond Company, VaSugar Chagonda, vanoti mashoko akasvika kwavari anoti munhu mumwe chete ndiye akafa pachiitiko ichi.

VaChagonda vanoti magadhi avo akazotora danho rekupfura vanhu mushure mekunge arwiswa nevaichera mangoda ava zvichitevera kuridzira pfuti rutatu mudenga kwavakanga vaita.

Vanotiwo vamirira zvichawanikwa nemapurisa mukuferefeta kwaari kuita, uye gadhi akauraya munhu uyu ari kubatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSugar Chagonda