Gurukota reMash West, Amai Mliswa Chikoka, Vanobatwa neCovid-19

Mary Mliswa

Gurukota reMashonaland West, Amai Mary Mliswa Chikoka, vabatwa nechirwere cheCovid-19 muongoro yaziviswa neChina.

Amai Mliswa Chikoka vava gurukota rechitatu kubatwa nechirwere ichi zvichitevera kubatwa kwakaitwa vaimbove gurukota rezvekurima, muchakabvu Perrence Shiri, avo vakashaya muna Chikunguru, pamwe negurukota redunhu reMidlands, VaLarry Mavima, avo vakabatwa nechirwere ichi kutanga kwemwedzi uno.

Kunyange hazvo tisina kubata Amai Mliswa Chikoka mbune kuti tinzwe divi ravo, mushandi anochengetedza Amai Chikoka ati ichokwadi kuti Amai Chikoka vabatwa vaine chirwere cheCovid-19.

Ivo Amai Mliswa-Chikoka vazivisawo paTwitter yavo vachiti vabatwa nechirwere ichi, uye vari kutenda vashandi vepachipatara cheChinhoyi Provincial Hospital.

Amai Mliswa Chikoka vava gurukota rechipiri kubatwa neCovid-19 zvichitevera kubatwa nechirwere ichi kwakaitwa vaimbove gurukota rezvekurima, muchakabvu Perrence Shiri.

Kubatwa kwaAmai Mliswa Chikoka neCovid-19 kunotevera kubatwa zvakare kwevadzidzi vanomwe vepaChinhoyi University of Technology vakabatwa vaine chirwere ichi mushure meongororo yakaitwa pavanhu makumi matatu nevasere nezuro mudunhu reMashonaland West.

Pavanhu ava, vashanu vavo vanhukadzi, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi mudunhu iri pamazana matatu nemakumi matanhatu, uye vafa mudunhu iri vava gumi nevaviri.

Vakafanobata chigaro chemukuru wedunhu mubazi rezvehutano, VaGift
Masoja, vati izvi ndizvo zvakabuda paongororo yakaitwa mudunhu ravo.

VaMasoja vati vanokurudzira vanhu kuti varambe vachitevedzera
zvinokurudzirwa nevezvehutano zvekuzora mawoko mushonga, kupfeka ma face mask nekuchengetedza mukaha wakafanira pakati pevanhu pangave pakugara kana kufamba.

VaMasoja vati vari kuona kuti zvakakosha kugara vachiyeuchidza
vanhu kuti vasavarairwe sezvo chirwere cheCovid-19 chisati chapera
kunyange vanhu vave kurarama sekusisina chirwere ichi.

Mutauririri weChinhoyi University of Technology, Dr Tapera Musekiwa, varamba kutaura nezvenyaya yekubatwa kwevadzidzi ava nechirwere cheCovid-19.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, kanawo mutevedzeri wavo, Dr John Mangwiro, sezvo nharembozha dzavo dzanga dzichinetsa kubata.

Asi vaimbove gurukota rezvehutano, VaHenry Madzorera, vanoti hurumende inofanirwa kusimudzira mabasa ayo ekudzivirira kuti chirwere ichi chisapararire muvanhu.

Kubatwa kwevadzidzi ava nechirwere cheCovid-19 kunotevera kubatwa
kwevamwe vana zana nemakumi maviri nevaviri pachikoro cheJohn Tallach Secondary School mudunhu reMatebeleland North svondo rino.

Zimbabwe yava nevanhu vanosvika zviuru zvisere nemazana mapfumbamwe nemakumi masere nemumwe, kana kuti 8,981 vabatwa nechirwere ichi munyika yose zvichitevera kubatwa kwevanhu makumi matatu nevatanhatu nemusi weChitatu.

Vanhu vapora kuchirwere ichi vava zviuru zvisere nezana nemakumi masere nevana, kana kuti 8,184 zvichitevera kupora kwevanhu makumi maviri nemusi weChitatu.

Vanhu vafa nechirwere ichi vava mazana maviri nemakumi matanhatu nemumwe chete, zvichitevera kufa kwemunhu mumwe chete nemusi weChitatu wakare.

Huwandu uhu hunogona kukwira nhasi manheru apo hurumende ichazivisa zvayawana muongororo dzaitwa neChina.

Pasi rose, chirwere ichi chabata vanhu vanodarika mamiriyoni makumi mashanu nematanhatu, kana kuti 56 million, uye vanhu vafa vadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana matatu nemakumi mashanu nezvinomwe, kana kuti vadarika 1,357,000.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nunurai Jena