RBZ Inoti Mabhanga Akagadzikana Kunyange Hazvo Barclays Yotengeswa

  • Blessing Zulu
Gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, vaburitsa neChitatu gwaro kuvatori venhau vachiyedza kudzikamisa vanhu kuti zvinhu zvakagadzikana kubhanga reBarclays Bank nemamwe mabhanga ari munyika.

Gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, vaburitsa neChitatu gwaro kuvatori venhau vachiyedza kudzikamisa vanhu kuti zvinhu zvakagadzikana kubhanga reBarclays Bank.

Izvi zvinotevera chiziviso cheBarclays Bank PLC chekuti yave kutengesa mabhanga ayo ose gumi nerimwe ari muAfrica kusanganisira remuZimbabwe.

Mukuru weBarclays Bank Zimbabwe, VaGeorge Guvamatanda, vanotiwo zvinhu zvakagadzikana mubhanga ravo uye vakatowana mari purofiti inopfuura mamiriyoni matatu nezviuru mazana manomwe mugore ra2014 kusvika 2015.

Asi zvinhu zvinonzi hazvina kunyatsogadzikana mumabhanga vanhu vachiti vave kushaya mari uye mamwe ma ATM anonziwo haana mari.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi inoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti zvaitwa naVaMangudya ndizvo chaizvo zvinofanirwa kuitwa neRBZ kana pachinge pachitarisirwa kuti pangaita kusagadzikana mumabhanga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaProsper Chitambara