Mumwe Mudzimai Oshura Mare neKurima Fodya

Mumwe murimi wechidzimai amai Nomsa Mapfunde vari kushura mare vachirima fodya kuDoma, kuMhangura, Mashonaland West. Chirimwa ichi chinozivikanwa chichirimwa kunyanya nevanhurume.

Asi amai Mapfunde vakurudzira madzimai emunyika kuti aumbe masangano ekubatsirana kuita chirwirangwe kuona kuti varemekedzwawo munyaya dzekurima fodya. Vanotiwo zvakakosha kuti hurumende ivabatsire uye vanodawo kukwereteswa mari nekuwana zvimwe zvikwanisiro.

Vatema vakawanda vasati vatora minda muna 2000, fodya yairimwa kazhinji nevarungu vainge vari mumapurazi.

Gore rapera huwandu hwefodya yakarimwa muZimbabwe hwakakwira nezvikamu gumi nechimwe kubva muzana kusvika pamari inosvika mamiriyoni mazana masere nemakumi mashanu nemashanu.

Mukuru wekambani yeTobacco Industry Marketing Board kana TIMB vanoti Zimbabwe inotengesa zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana pafodya yese inorimwa munyika.

Fodya iyi inotengeswa kunyika dzakaita seChina, Belgium, South Africa neIndonesia. Asi China ndiyo inotenga fodya yakawanda kudarika dzimwe nyika dzose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Nomsa Mapfunde