Mapurisa anodzivirira mvongamupopoto akarwisa vechidiki vari kuzviti vairatidzira muHarare pazuva re Day of the African Child. Vamwe vechidiki vana vakabva vamusunga.
Vechidiki vanga vachibva kumapato ezvematongerwo enyika akasiyana-siyana pamwe nekumasangano anoshanda akazvimirira varikuzvidaidza kuti Tajamuka vakaungana pakati pedhorobha muHarare kuti vacherechedze zuva reDay of the African Child.
Mumwe akataura pachiitiko ichi, VaDenford Ngadziore avo vanobva kubato reMDCT, vakati yakwana zvino nguva yekuti vechidiki vachienda pamberi kugadzirisa zviri kunetsa munyika sezvo vachiti hurumende yeZanu PF yatadza kutungamira zvakanaka.
Mumwe ataurawo ndiVaPromise Mkwananzi vanove mutungamiri weZimbabwe Informal Sector Organization uye vari zvakare mutauriri weTajamuka avo vati mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanofanira kubva pachigaro nepamusana pekuwondomoka kwaita hupfumi hwenyika pamwe nekutyora kwavanoti kuri kuita hurumende kodzero dzeveruzhinji.
VaMkwananzi vanoti kushayikwa kuri kuita mari mumabhanga ndechimwe chiratidzo chekuti hurumende haisisina kana zano rekugadzirisa zviri kunetsa muhupfumi hwenyika zvavanoti zvave kukonzera kuti veruzhinji vadye nhoko dzezvironda.
VaMkwananzi vari pakati pekutaura, mapurisa anga akapakatira zvombo akabva asvika ndokutanga kurova vechidiki ava avo vakabva vaita chitsoka ndibereke vachiitazve hwakiti nagonzo nemapurisa mudhorobha.
Zvinonzi pane nhengo dzeTajamuka ina dzakarohwa zvakaipisisa uye nhengo idzi dzinonzi dzaendeswa pakamba yemapurisa yeHarare Central.
Zvichakadai, vechidiki ava vazopinda mumitsetse yevanhu vanga vari pamabhanga vachitsvaga kutora mari mumabhanga vachitaura navo pamusoro pedambudziko rekunetsa kuri kuita mari.
Mushure mekumhanyidzana nemapurisa, VaNgadziore vanonzi vakazorohwa nevanhu vasiri kuzivikanwa kuti ndivanani pavanga vaenda kune mumwe musangano wekanzuru uye vanonzi vaendeswa kuchipatara zvichitevera kukuvara kwavanonzi vaita mushure mekurohwa kwavaitwa.
Zvichakadaro, munyori muboka revechidiki muMDCT, VaLovemore Chinoputsa, avo vapunyuka mukurohwa kwaitwa vechidiki ava, vashora chisimba chashandiswa nemapurisa vachiti zvaitwa nemapurisa izvi zviri kunze kwemutemo.
Zvichakadai, mashoko aburitswa naVaMkwananzi vakamirira Tajamuka mushure mezvaitika izvi anoti vane zvirongwa zvakawanda zvekuratidzira munyika yose kudzamara VaMugabe vabva pachigaro.
Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi. Asi mutauriri wemapurisa Amai Charity Charamba vaudza Studio 7 parunhare kuti mapurisa achashanda zvakasimba kuitira kuti munyika mugare muine runyararo uye vati mapurisa haana kuziviswa nezvechiitiko cheTajamuka ichi.
Nekune rumwe rutivi, VaMkwananzi vati hasi kuzofa vakazivisa mapurisa kana vachida kuratidzira vachiti ndizvo zvakarwirwa kuhondo kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvitaure zvazvinoda zvakasununguka.
Your browser doesn’t support HTML5