Madzimai ebato rinopikisa reMovement for Democratic Change aratidzira muBulawayo nhasi achirova mapoto nemigoti kuratidza kunyunyuta kwanvo nematongero emutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Kuratidzira uku kwange kuchitungamirwa nemumwe mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC-T Muzvare Thokozani Khupe. Mapurisa ayo ainge achida kumbodzivisa kuratidzira uku achiti munyika hamuna kugadzikana ange akazara mumigagwa yeBulawayo nhasi.
Amai Khupe vati vasunga kuti kutanga mangwana nenguva dza 8 mangwanani madzimai anofanira kubuda panze orova mapoto nemigoti kwemaminetsi mashanu kutaridza kunyunyuta kwavo.
Zvichakadaro kuratidzira kwezvizvarwa zveZimbabwe kuri kuenderera mberi kunyika dzakaita seSouth Africa, Britain, Canada, Australia neAmerica. Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuti zvaneta nehutongo hwaVaMugabe zvichivati vari kuita zvehuori uye kutyora kodzero dzevanhu.
Nezuro mapurisa muHarare akasunga VaStern Zvorwadza sachigaro vesangano reVendors Union Zimbabwe mushure mekunge varatidzira paTown House vachinyunyuta nehuori hwavanoti huri kuitwa nemapurisa ekanzuru.
Kunyangwe hazvo vanhu vakawanda vari kuratidzira, vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato reZanu-PF VaIgnatious Chombo vakati VaMugabe havana kwavari kuenda uye vari kuratidzira vari kufurirwa nevanhu vekunze.
Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi nekutonga nedemo ndizvo zvopa kuti vana veZimbabwe varatidzire.