VaMkwananzi naVaZvorwadza VeTajamuka Vosungwa

VaPromise Mkwananzi

Mapurisa nemusi weChishanu akasunga mutauriri weTajamuka VaPromise uye VaStern Zvorwadza vesangano reNational Vendors Union Zimbabwe.

Vaviri ava vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga yakaitika muHarare nemusi weChitatu apo panonzi pakapiswa mota dzemapurisa, uye yeZBC nekupiswa kwemimwe midziyo. Kuratidzira uku kwainge kwakaronga nevechidiki vebato reMDC-T.

Mapurisa anonzi akasungawo vamwe vanhu gumi nevatatu neChina. Vanhu makumi matanhatu vakasungwa mukuratidzira uku kusanganisa varume makumi mana nevaviri, nemadzimai gumi nevanomwe.

Asi sangano reZimbabwe Lawyers For Human Rights rinoti vakawanda vakazosunungurwa.

Gweta raVaMkwananzi vari nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights Vatonderai Bhatasara vanoti VaMkwananzi vakasungwakuHarare Central Police Station, “VaMkwananzi vange vaenda kukamba yemapurisa iyi sezvavanoita Chishanu choga choga sezvavakanzi vaite nedare.Asi vachingosvika vakabva vanzi vaidiwa nemhirizhonga yakaitika muguta nemusi weChitatu.”

VaBhatasara vati VaMkwananzi vange vasitombori mugutapakuratidzira uku. Vanotiwo vabva vaudza kuti mapurisa ange achitsvaga VaZvorwadza. VaMkwananzi vari kutarisirwa kupinda mudare ramajastiriti nemusi weMugovera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTonderai Bhatasara