Vatungamiri venyika dzemuSADC vatanga kusangana muSwaziland pamusangano weSummit kuSwaziland.
Masangano akazvimirira nemapato anopikisa vari kukurudzira sachigaro weSADC ari kusiya basa VaIan Khama kuti vapinze nyaya yeZimbabwe mudariro sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka nenyaya yekuratidzira uye mashoko akabuda paSABC news ekuti vamwe vemauto nemapurisa vanoti vachapindira vati kudivi revarikuratidzira nekuti havasi kufara nezviri kuitwa nehurumende.
Mambo Mswati ndivo vachatora chigaro chesachigaro kubva kuna VaKhama panopera musangano uyu.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica VaJoy Mabenge vanoti SADC inotofanira kuti izeye nyaya yeZimbabwe nekuti zvinhu zviri kuramba zvichita manyama amire nerongo.
Your browser doesn’t support HTML5