VaMugabe Voshorwa neKuenda kuMabiko kuLesotho Nyika Isina Kana Kobiri

VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakasimuka munyika neMuvhuro vakananga kuLesotho kumhemberero yenyika iyi yekuwana kuzvitonga kuzere.

Asi vanopikisa vanoti zviri kuitwa naVaMugabe hazviratidze kunge vane hanya nekushupika kuri kuita vana veZimbabwe.

VaMugabe svondo rapera vainge vambokokwa kumhemberero dzakadai kuBotswana asi havana kuenda mushure mekunge mutungamiri wenyika iyi VaIan Khama vakurudzira kuti VaMugabe vasiye chigaro nekuti vakwegura.

Izvi hazvina kutambirwa zvakanaka nehurumende yaVaMugabe vakabva vatanga kutuka VaKhama.

Mutauriri webato rinopikisa reMDC-T VaMorgan Tsvangirai vanoti VaMugabe vari kupedza mari yenyika nekungoenda kumhemberero dzisina nematuro ose.

Kunyangwe muzvipatara musina mishonga uye vashandi vehurumende vasiri kubhadharwa, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti VaMugabe nemakurukota avo vanogara vari mundege zviri kudzosera nyika kumashure.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu