Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi vave parumananzombe sezvo vave kumanikidzwa kuti vozemberana nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, here kana kuti munhu wavadyidzana naye kwenguva yakareba, VaEmmerson Mnangagwa.
Danho iri rinofanira kutorwa muna Zvita pari kuitwa kongiresi yechimbi chimbi muHarare.
Matunhu ose atambira chisungo chekuti paitwe kongiresi yechimbi chimbi uye zvatove mumaoko evanoronga mabasa mubato, VaIgnatius Chombo.
Amai Mugabe vanonzi vari kuchikwata chinonzi Generatio 40 uye vave makara asionane naVaMnangagwa vanonzi vanotsigirwa nechikwata cheTeam Lacoste.
VaMugabe, avo vange vachiramba kubuda pachena kuti vanotsigira chikwata chipi, vanonzi vainge vachida kuti paitwe vatevedzeri vavo vatatu sezvo madzimai ari kuda kuti pave nemudzimai pavatungamiri kana kuti presidium.
Asi veG40 vari kuti bato ridzokere kubumbiro raivepo risati ravandudzwa muna 2014 iro raiti vatevedzeri vave vaviri chete asi mumwe ari mudzimai.
VaMnangagwa vari kupomerwa mhosva yekuti vave nemakore vachironga tsoro dzekutora chigaro chaVaMugabe.
Asi vanotsigira VaMnangagwa vanoti kongirsei iyi inofanira kungozeya nyaya yesarudzo dza2018 uye kusimbisa kuti VaMugabe vatungamire bato kusvika murufu.
VaMnangagwa vanonzi vane rutsigiro rwakasimba kubva kuMidlands neMasvingo. Nhengo yeProvincial Cordinating Committee yeMidlands, VaJoram Gumbo vanoti vanoda kungotsigira VaMugabe kuti vatungamire bato musarudzo uye pataurwe nyaya yekunyoresa vavhoti.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJoram Gumbo
Sachigaro webato reZanu-PF Youth League kuManicaland, VaMubuso Chinguno, avo vasina kuruma vachifuridzira kuti VaMnangangwa vadzingwe mubato.
Vati VaMnangagwa vanenge vari kushanda nevanhu vari kukonzera nyonga nyonga mubato.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaMubuso Chinguno