Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti sarudzo dzegore rino dzichange dzakaoma uye mapato anopikisa akasimba zvekuti anokwanisa kutobvisa bato riri kutonga reZanu PF pachigaro.
Asi dzinoti izvi hazvisi nyore nekuti mutemo wesarudzo inoomesera mapato aya pamwe nekupa mukana wakawanda wekukunda kubato reZanu PF.
Kusvika svondo rapfuura pange pave nemapato anopikisa zana nemanomwe (170) asi nyanzvi idzi dzinoti mubatanidzwa wemapato anopikisa we MDC Alliance ndiwo wakasimba zvekuti unokwanisa kukunda musarudzo.
Dzinotiwo mimwe mibatanidzwa yemapato anopikisa akaita seNational Patriotic Front, People’s Rainbow Coalition, Coalition of Democrats nemamwe achaomesera Zanu PF zvekuti kunyange ikakunda, ichakunda nezvigaro zvishomanana.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaItai Madzivaidze vanoti, nekushanda kuti kuita mapato anopikisa Zanu PF ichaona chitsvuku pasarudzo dzegore rino.
Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vati mapato anopikisa zvikuru bato reMDC-T akagara achiomesera Zanu PF musarudzo, uye rakatombokunda. Asi vati chakanyanya kukosha mafambisirwo achaitwa sarudzo idzi.
VaBekezela Gumbo veZimbabwe Democracy Institute vaudza Studio 7 kuti rwendo rwuno mapato anopikisa ane mukana mukuru wekukunda musarudzo asi vati mukana uyu unoderedzwa nezvimwe zvakawanda zvakaita sekuti komisheni yesarudzo haina kuzvimirira uye ine makomishina anotsigira Zanu PF.
Vanotiwo kana mutemo wesarudzo nekuburitswa kwemashoko ikasavandudzwa, zvicharederedza zvakanyanya mukana wekukunda kwemapato anopikisa.
Vanotiwo nyaya yekushandisa madzishe mune zvematongerwo enyika inonzi iri kuitwa neZanu PF, kuburikidza nekupa vanhu chikafu, mbeu nezvimwe imwe nzira yekubiridzira musarudzo. Mutungamiri webato reRenewal Democrats of Zimbabwe VaElton Mangoma vakatoendesa mukuru wemadzishe VaFortune Charumbira kumatare mushure mekunge vati madzishe anotsigira Zanu-PF.
Mukuru wePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vaudza Studio 7 kuti kuwanda kwemapato anopikisa kunotopa mukana wekubira zvakanyanya kubato reZanu PF.
Vatiwo mamwe mapato anopikisa anongove mbeva dzisina marise uye Zanu PF haisi kutomboshanya hope nekuda kwemapato aya.
VaMnangagwa avo vakatora matomu muna Mbudzi gore rapfuura zvichitevera kubviswa kwavaRobert Mugabe vari kuvumbisa sarudzo dzakachena uyewo vanoti nyika nemasangano epasi rese akasununguka kuzoongorora sarudzo idzi.
Asi VaMudzengi vanoti muromo hauzarirwe nerwizi uye vamirira kuona kuti sarudzo dzichange dzakachena here kana kuti kwete.
Your browser doesn’t support HTML5