Motokari yaVaChamisa Inonzi Yakapfurwa nePfuti kwaMutare neMusi weChipiri

Nelson Chamisa

Bato guru rinopikisa, reMDC Alliance, rinoti motokari yemutungamiri webato iri, VaNelson Chamisa, yakapfurwa nepfuti uye ikatemwa nematombo nevanofungidzirwa kuti vasori nevatsigiri veZanu-PF kwaMutare nezuro.

Asi veZanu-PF vari kuramba kuti pane pfuti dzakaridzwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Blessing Zulu

Mutevedzeri wemutungamiri weMDC Alliance, Amai Lynette Karenyi-Kore, avo vakabatsira nekuhwandisa pamba pavo vamwe vakuru vebato iri kubva kuvanhu vaivarwisa, vanoti kurwiswa kwavakaitwa kwakatangira paBirchenough.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Linette Karenyi-Kore

Hatina kukwanisa kubata mapurisa kuti tinzwe divi ravo.