Makakatanwa pamusoro pechigaro cheakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T pakati paVaElias Mudzuri naVaNelson Chamisa adzika midzi mubato iri, vaviri ava vachiti vose ndivo vari panyanga panguva iyo VaMorgan Tsvangirai vari muchipatara kuSouth Africa.
Makakatanwa pakati paVaMudzuri naVaChamisa asvika pakaipa zvichitevera kushaikwa kwechokwadi chekuti VaTsvangirai mbune vari kuti chii panyaya yeakafanobata chigaro chavo.
Asi chokwadi chiripo ndechekuti VaTsvangirai vasati vasimuka kuenda kuSouth Africa, vakadoma VaMudzuri kuti vafanobata matomu panguva iyo vanenge vachirapwa kuSouth Africa.
VaTsvangirai vakatiwo VaChamisa ndivo vachange vachimirira bato muMDC Alliance.
Asi nemusi weChitatu mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vakaburitsa mashoko ekuti VaTsvangirai vainge vadoma VaChamisa kuti vachibata zvinzvimbo zvese zviri zviviri sezvo VaMudzuri vainge vari muSouth Africa.
Asi VaMudzuri vanoti vakashamiswa zvikuru nemashoko aVaTamborinyoka, ayo vanoti haasi echokwadi.
VaMudzuri vanotiwo VaTsvangirai pachavo vakarwadziwa nezvakaitwa naVaTamborika vakabva vavasheedza kuJohannesburg kuti vazotsanangura kuti zvainge zviri kufamba sei mubato.
VaMudzuri vanoti vanhu vese vari kutaura naVaTsvangirai vari kunyepa uye ivo vari kuteerera zvinotaurwa naVaTsvangirai chete zvekuti ndivo vakafanobata chigaro chavo mubato kudzamara vadzoka kumusha.
Asi VaChamisa vaudza Studio 7 kuti ndivo vakadomwa kuti vambobata matomu uye hapana chinofanira kushamisa vanhu nekuti VaMudzuri naMuzvare Thokozani Khupe vakambobatawo matomu.
VaChamisa vanotiwo nhengo dzebato dzinofanira kubatana nekushanda pamwe apo dziri kugadzirira sarudzo.
VaChamisa vanoti vakatokoka misangano yemapazi akasiyana siyana ebato kuti abatsire mukugadzirisa dambudziko rapinda mubato.
Asi VaMudzuri vanotiwo vakamirira gwara rinobva kumutungamiri webato, VaTsvangirai.
Panyaya yekuti pane vamwe vechidiki vari kuronga kuvarambidza kupinda pamudzinda webato iri weHarvest House, VaMudzuri vaseka zvavo vakati ndipo pavachaitira misangano yese yebato nekuti nhengo chaidzo dzeMDC hadziiti zvemhirizhonga.
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, pamwe nemunyori mukuru webato, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo riri kucherechedza VaMudzuri semunhu akanzi naVaTsvangirai vasanobata chigaro chavo.
Asi VaTamborinyoka vanoti ivo chete ndivo vanotaura vakamirira VaTsvangirai.
Asi mwanakomana waVaTsvangirai, VaEdwin Tsvangirai, vanoti hapana munhu akataura nababa vavo uye vose vanoti vakataura navo manyepo chaiwo.
Vachitaura nenhepfenyuro yeSABC neChishanu, VaEdwin Tsvangirai vakati ichokwadi kuti VaMudzuri ndivo chete munhu akasangana nababa vavo kaviri, musiwe China manheru nemusi weChishanu.
Mashoko aya akatsigirwa nemudzimai waVaEdwin Tsvangirai, Amai Diana Tsvangirai, vachiti hapana munhu anobvumidzwa kutaura naVaTsvangirai kana asina kutanga aona murume wake (Edwin).
Dzimwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzisina kudomwa nemazita sezvo dzisingadi kuonekwa sedziri kutora mativi dzinoti pasvika nyaya iyi pava kuda kuti bato rigare pasi rogadzirisa nyaya iyi, uye zvakaitwa naVaTsvangirai vasati vabuda munyika zvive izvo zvinofanirwa kutevedzerwa kudzamara kanzuru yepamusoro soro yebato yagadzirisa gakava iri.
Your browser doesn’t support HTML5