Ma Mighty Warriors Ogarira Guyo seMbwa?

  • Michael Kariati

Zimbabwe Mighty Warriors

Mutambo pakati pema Mighty Warriors ne Ivory Coast wanga uchifanira kutambwa neSvondo wasvika panguva yakaoma sezvo Ivory Coast isati yazivisa Zifa kuti ichauya here kana kuti kwete.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Michael Kariati

Ivory Coast vanga haisati yasvikawo muHarare uyezve haisati yazivisa Zifa kuti iri kuuya here kana kwete

Mutambo uyu wanga uchifanirwa kutambwa Ivory Coast yakatungamira 3-0 mushure mekunge Fifa yaripisa Zimbabwe nekutadza kuenda kuIvory Coast mumutambo wekutanga

Asi Fifa ichaomerwa nenyaya iyi kana Ivory Coast ikatadza kechipiri kuuya kuzotamba sezvakatara

Chikwata chichakunda apa chiri kufanira kutamba neCameroon.

Zvakamira zvakadai, mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League iri kuenderera mberi apo pachange paine mitambo mukupera kwesvondo.

Chicken Inn iri kutarisirwa kuramba iri pamusoro soro mukupera kwemitambo yevhiki rino sezvo iri pamusha neHwange.

Dynamos, iyo iri kutamba zvakanaka kubvira Tonderai Ndiraya atora basa rehuraridzi, yakananga kuBulawayo uko ichatamba neTsholotso Pirates.

Ndiraya anoti ari kutarisira kukunda zvekare mushure mekunge aenda kuTriangle ndokunokunda 2-0 pakati pevhiki rino

Asi zvinhu hazvina kumira zvakanaka kune vaimbove murairidzi wemaWarriors, Sunday Chidzambwa, uyo akananga kuMandava kunosangana neFC Platinum

Panguva iyo Chidzambwa asati akunda mumitambo misère iyo angaa rikuchikwata ichi, Norman Mapeza, ave nemitambo gumi nemumwechete asati amborohwa zvekuti mutambi we FC Platinum, Brian Muzondiwa, uyo ari kubhebha moto ari kutarisira kurova mambure zvekare.

Highlanders iyo iri kupisa pamwe nekotonhora yakananga kuAscot uko iri kuyambirwa kusadherera Hwahwa iyo inoraridzwa naLloydMutasa.

Caps United yakananga kwaRusape uko iri kutarisira kunorova Dongo Sawmills mushure mekutatarika nekuita mangange neTshlotsho nezuro.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi:

Harare City v Buffaloes

Flame Lilly v Chapungu

How Mine v Triangle

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Michael Kariati