MISA Zimbabwe Inosvitsa Makore Makumi Maviri neMashanu Ichishanda Munyika

VaGolden Maunganidze

Sangano rinorwira kodzero dzevatori venhau, reMedia Institute of Southern Africa - Zimbabwe (MISA Zimbabwe) riri kupemberera kusvitsa kwaro makore makumi maviri nemashanu richishanda munyika.

Mukupemberera makore ebasa raro, MISA Zimbabwe yabudisa gwaro rinonzi ‘25 Years On: Reflections On Media Law Reforms’.

Sachigaro weMISA Zimbabwe, VaGolden Maunganidze, vaudza Studio7 kuti MISA Zimbabwe yakaita basa guru mumakore makumi maviri nemashanu aya.

VaMaunganidze vati yakakwanisa kubvisa mitemo yakanga ichiomesera vatori venhau uye yakabatsira mukunyorwa nekudzikwa kwemitemo mitsva inobatsira kuti vatori venhau vaite basa ravo zvakanaka.

MISA Zimbabwe inoti kunyange hazvo pachine basa zhinji rinofanirwa kuitwa, zvinhu zvizhinji zvakaitwa nesangano iri zvinofanirwa kurumbidzwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGolden Maunganidze