Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vanoshanya kuGuinea kweMazuva Maviri

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasvika kuGuinea kwavakakokwa nemutungamiri wenyika iyi, VaAlpha Conde.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasvika kuGuinea, uko vari kushanya kwemazuva maviri. Nhepfenyuro yeZBC inoti VaMnangagwa vatambirwa panhandare yeConakry Gbessia International nemutungamiri weGuinea, VaAlpha Conde.

Mutungamiri wenyika vanonzi vakakokwa nemutungamiri weGuniea muna Chivabvu, asi vazowana nguva yekushanya iye zvino.

Nyika mbiri idzi inonzi dziri kutarisira kusimbaradza hukama hwadzo munyaya dzekurima, mhando dzemoto, zvekuvaka, pamwe nezvimwe zvakawanda.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira sangano reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou vanoti nzendo dzaVaMnangagwa dzawandisa dzisina chimuko chadzinoburitsa chinobatsira nyika.

Doctor Zhou vanoti VaMnangagwa vanofanirwa kutanga vagadzirisa matambudziko ari munyika vasati vasusukidza nyaya dzekutenderera nenyika dzepasi rino, sezvavanoti zvaiitwa nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Vanotiwo Guniea inyika ine hurombo kwazvo zvekuti haina chinotarisirwa kunzi ingawanisa Zimbabwe panguva ino yekushupika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou

Asi nhengo yeZanu PF VaFrenk Guni, avo vari muno muWashington D.C., vanoti rwendo rwaVaMnangagwa kuGuinea urwu rwakakosha zvikuru sezvo hurumende yavo iri kuedza kumutsiridza pamwe nekugadzirisa hukama nenyika dzose, zvisineyi nemamiriro adzakaita mune zveupfumi.

VaGuni vanotiwo Guinea inyika yakawana kuzvitongwa kare zvichireva kuti inenge iine hunyanzvi mune zvimwe zvisati zvawanikwa neZimbabwe.

Panyaya yekuti VaMnangagwa havafanirwe kungoenda kwese kwese, asi kuti dai vachitumira makurukota avo, VaGuni vanoti nyika yose inozviziva kuti gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, avo vangadai vachitumwa nemutungamiri wenyika, havasi kunzwa zvakanaka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFrenk Guni