Nyanzvi Dzoudza VaMnangagwa Kuti Vatende Mauto

Army General Constantino Chiwenga smiles during the presidential inauguration ceremony in Harare, Zimbabwe, Nov. 24, 2017.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kunyange hazvo VaEmmerson Mnangangwa vaikodzera kuva mutungamiri webato ravo reZanu PF pamwe nehurumende nekuda kwehukuru hwavo, mukana uyu wakapedzwa kutanga kwemwedzi uno apo vakadzingwa zvese muhurumende nemubato.

Nyanzvi idzi dzinoti VaMnangagwa vanofanira kutenda mauto nekuvadzora mubato pamwe nekuvagadza pachigaro chekutungamiri nyika.

Pakadzingwa VaMnangagwa, vamwe vakaona sekuti VaMnangagwa vakange vaparara munyaya dzematongerwe enyika.

Zvichitevera kudzingwa muhurumende, VaMnangagwa vakambonopotera kuSouth Africa asi vakanyora tsamba vachiti vaizodzoka munyika mukati menguva pfupi kuzotonga,

Vanoongorora zvematongerwo enyika zvakare vachidzidzisa pachikoro cheSokusi University, VaTinashe Muzamindo, vanoti izvi zvinoratidza kuti pange pagara paine hurongwa hwekuti VaMnangagwa vatore chigaro chemutungamiri wenyika.

Vati kuita kwemauto kunoratidza kuti vanga vakaronga nechakare uye change chasara inguva chete.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaVivid Gwede, vaudza Studio 7 kuti hazvina kuvashamisa kuti mauto akatsigira VaMnangagwa pakurwisana kwaitika mubato reZanu PF.

Vati chikwata cheG40 change chisina vanhu vakaenda kuhondo vanga vari pamusoro, nekudaro mauto akaita zvaakataura kare kuti haazotsigira munhu asina kuenda kuhondo kuti atonge Zimbabwe.

VaGwede vanoti mauto haana kufara nekudzingwa kwaVaMnangagwa uye zvange zvave pachena kuti Amai Grace Mugabe, kana mumwe wavo muchikwata cheG40, ndiye atozotungamira nyika sezvo VaMugabe vakwegura.

Vati izvi ndizvo zvakazoita kuti mauto atange Operation Restore Legacy apo akasunga nhengo dzechikwata cheG40 pamwe nekubvisa VaMugabe pachigaro.

Ukuwo bato rakabva radzora VaMnangagwa ndokuvadoma semutungamiri waro pamwe nemutungamiri wenyika.

Asi VaGwede naVaMuzamindo vanoti kunyange hazvo veruzhinji vari kufara nekuenda kwaVaMugabe, vanofanira kuziva kuti mauto anogona kutadza kutambiraa zvinenge zvabuda musarudzo kana pakakunda munhu asina kurwa muhondo sekutaura kwawo.

VaGwede vanoti zvakakosha kuti vatungamiri venyika vabviswe nesarudzo.

Muna 2008, bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rakakunda musarudzo dzeparamende nemutungamiriri wenyika asi mauto akaramba kuti VaMugabe vabve pachigaro izvo zvakazoita kuti paumbwe hurumende yemubatanidzwa.

Vakawanda vanoti vanotyira kuti mauto achapindira zvakare musarudzo kana VaMnangagwa nebato ravo vakakundwa gore rinouya.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya