Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasvika kumusangano we African Union uri kuitirwa muAddis Ababa kuEthiopia.
Mumwe wevatevedzeri vavo, VaKembo Mohadi, ndivo vakafanobata chigaro chaVaMnangagwa apo vanenge vari kuEthiopia.
VMnangagwa vari kuenda kumusangano uyu panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muZimbabwe zvichitevera kuurayiwa nemasoja nemapurisa kwevanhu vanosvika gumi nevanomwe mumhirizhonga yakaitika mwedzi wapera.
Vasati vasimuka munyika, VaMnangagwa vakatumira nhumwa dzavo kunyika dzemu Africa dzinoti gurukota rezvekurima, VaPerence Shiri – kuKenya ne Tanzania; VaChristopher Mutsvangwa – kuZambia; VaPatrick Chinamasa – ku Namibia neBotswana, paine chinagwa chekuudza vatungamiri venyika idzi mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti gakava remuZimbabwe rinogona kupinzwa mudariro, kunyange hazvo Zimbabwe isiri pahurongwa hwezvinhu zvichakurukurwa.
Gore rino, nyaya hombe ichakurukurwa ndeyekutarisa nzira dzekupedza hupoteri.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio 7 kuti musangano uyu unopa mukana VaMnangagwa pamwe chete neAfrican Union kuti varatidze hutungamiri nechido chekugadzirisa zviri kunetsa munyika dzese dzemuAfrica, kusanganisira Zimbabwe.
Your browser doesn’t support HTML5