VaMugabe Vanoti Vanofunga Kuti VaTrump VaChabvisa Zvirango

  • Blessing Zulu

VaDonald Trump

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti vane chivimbo chekuti mutungamiri wenyika yeAmerica mutsva, VaDonald Trump, vachabvisa zvirango zvakatemerwa Zimbabwe muna 2003 ichipomerwa mhosva yekutonga nedemo nekubirira musarudzo.

VaMugabe vakataura mashoko aya panhepfenyuro yeZBC-TV mumashoko avo kunyika pamberi pezuva rekucherechedzwa kwebhavhudhe ravo.

VaMugabe vakashorawo Amai Hillary Clinton avo vakakundwa musarudzo naVaTrump vakati vainge vakangofanana nevaive mutungamiri wenyika yeAmerica, VaBarack Obama, pakuda kuomesera Zimbabwe.

Vakatiwo vatrump vanofanira kupihwa nguva uye vakati vanotenderana nepfungwa yavo yekuti America inofanira kumira yoga ichiendesa pfungwa dzayo pamberi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, vanoti VaMugabe vachanyangira yaona.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJoy Mabenge

Sezvo tichitema tisina kwatakarerekera, gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo, vanoti vanowirirana nemashoko aVaMugabe vachiti Zimbabwe yakatemerwa zvirango nenyaya yekuti yakatora minda kubva kuvachena ichipa vatema.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRugare Gumbo