Mutungamiri weMDC Alliance, VaChamisa, Vanocherechedza Zuva reKudyara Miti Vari kuGoromonzi South

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri weBato reMDC Alliance, VaNelson Chamisa vacherechedza zuva rekudyara miti kuburikidza nekudyara miti kuGoromonzi South.

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance, VaNelson Chamisa, neChishanu vadyara miti kuGoromonzi South senzira yekucherechedza zuva rekudyarwa kwemiti munyika, reNational Tree Day.

Zuva iri rinocherechedzwa Mugovera wekutanga mumwedzi waZvita gore roga roga kubva muna 1980.

Mutewedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti VaChamisa vabatana nehutungamiri hwebato ravo hwepamusoro pamwe nevamwe vagari vemudunhu iri muchiitiko ichi, uye vanoti kwadyarwa miti yakawanda.

Studio 7 yaedza kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, parunhare kuti tinzwe kana paine zvirongwa zvehurumende zvakanangana nezuva rekudyara miti iri, asi vati tiite zvekuvatumira mibvunzo yedu sezvo vanga vari mumusangano.

Asi pataenda pamhepo Amai Mutsvangwa vanga vasati vapindura mibvunzo yedu.

Asi nemusi weChina mauto eZimbabwe National Army akabatana nebazi reForerstry Commission mukudyara muti wemuuyu kuDzivaresekwa muHarare, senzira yekucherechedza zuva iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaClifford Hlatywayo