Zimbabwe nemusi weMuvhuro yakabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva revakaremara.
Muna 1992, United Nations yakadzika 3 Zvita sezuva rekucherechedza vakaremara.
Mumwe wevakuru vesangano rinoona nezvevakaremara, reCenter for Disability and Development, VaMasimba Kuchera, vakaudza Studio 7 kuti Zimbabwe inofanira kuzvipira panyaya yekusimudzira hupenyu nemararamiro evanhu vakaremara, zvikuru sei kutanga nekugadzirisa bumbiro remitemo kuti ribatsire vakaremara.
“Izuva remhemberero asi tinenge tichitarisiravo sevana veZimbabwe kuti hurumende ndipo paino titauriravo kuti zvii zvaingakwanisa kuitira vanhu vakaremara mugore rinotevera,” vakadaro VaKuchera.
Vanotizve izvi zvinofanira kukosheswa kana pakatariswa dingindira regore rino iro riri kukurudzira kupa mikana kune vakaremara kuti vakwanise kurarama zvakanaka.
“Pane zvinhu zvakawanda zvatinenge tichitarisira zvakafanana nekugadzirisa mitemo kuti ishandiswe pane vakaremara sezvinotaurwa mubumbiro remutemo,” VaKuchera vakaudza Studio 7.
Dingindira regore rino rinoti:"Empowering persons with Disabilities and Ensuring Inclusiveness and Equality". Izvo zvanzi naVaKuchera zvinofanirwa kutarisiswa nehurumende nekukurumidza kuti vakaremara vaite mararamiro ari nani.
Your browser doesn’t support HTML5