Zimbabwe Yotsvaga Mari Kuti Ibatsire Vapoteri

Amai Priscah Mupfumira

Hurumende yaparura chirongwa chekutsvaka mari yekuti nyika ikwanise kubatsira vapoteri munyika chinonzi, “Zimbabwe Inter Agency Refugee Appeal.”

Hurumende iri kutsvaka mari inosvika mamiriyoni gumi emadhora.

Hurumende inoti Zimbabwe ine vapoteri vanosvika zviuru gumi nezvinomwe zvine mazana mashanu.

Pavapoteri apa zviuru gumi nechimwe ndovari kugara mukembi inochengeterwa vapoteri yeTongagara.

Asi vapoteri zviuru zvitanhatu zvine mazana mashanu vari kutiza mhirizhonga iri kuMozambique vari kugara mumisha yakasiyana-siyana kuNyanga nemuChipinge.

Kunyangwe hazvo vapoteri ava vachifanirwa kubatsirwa nehurumende kuti vakwanise kuenda kuTongogara Refugee Camp, nekuda kwekushaikwa kwemari munyika, sangano rinobatsira munyaya dzevapoteri re United Nations High Commissioner for Refugees (UNHCR) rakwanisa kubatsira vanhu mazana matanhatu nemakumi mashanu nevatanhatu chete.

Izvi ndozvapa hurumende kuti iparure zviri pamutemo chirongwa chekutsvaka rubatsiro.

Vachiparura chirongwa ichi vakamirira mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, gurukota muhofisi yemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaClifford Cameroon Sibanda, vati hurumende iri kutsvaka mari yevapoteri avo vari kuramba vachiwanda munyika.

Vatiwo vanodawo kuti vapoteri vave nehupenyu hwakanaka.

VaSibanda vati shuwiro yavo ndeyekuti vakwanise kuendesa vapoteri kuTongogara, vakatiwo kunyangwe hazvo hurumende iri kuyedza kubatsira nepainogona, inodawo rubatsiro rwemamwe masangano.

Gurukota rinoona nezvevashandi nekugara zvakanaka, Amai Prisca Mupfumira, vati hurumende iri kukumbira mari inosvika mamirioni gumi.

Amai Mupfumira vati vapoteri vakawanda vari kubva kuMozambique uko varikubva vakabata mawoko chete.

Amai Mupfumira vati kunyangwe hazvo hurumende yakatarisana nematambudziko munyaya dzehupfumi, haingaregeri kubatsira vapoteri.

Vapoteri vazhinji vari muZimbabwe varikubva kunyika yeMozambique, Democratic Republic of Congo, Burundi, Rwanda, Mali neEthiopia.

Vakamirira UNCHR muZimbabwe, VaRobert Tibagwa, vatenda hurumende yeZimbabwe nekutambira vapoteri vakati vanofadzwa zvikuru kuti vanhu vanogara kunzvimbo dziri pedyo nemuganhu wenyika vari kutambira vapoteri sevakadai vanobva kuMozambique zvakanaka.

Vanga vakamirira mumiririri weUnited Nations muZimbabwe, Doctor Mohamed Ayoya, vati rubatsiro rwuri kudiwa nechimbichimbi .

VaAyoya vatiwo vanotarisira kuti kana mari yerubatsiro iyi yawanikwa ichashandawo kudzidzisa vapoteri mabasa emaoko kuti vazokwanisa kuramba vachizviriritira.

Zuva revapoteri rakacherechedzwa pasi rese neChipiri.