VaJob Sikhala Vanoshanyira Muchehiwa kuBulawayo

Job Sikhala and his wife

Mumiri weZengeza West mudare reNational Assembly, VaJob Sikhala, vashanyira Tawanda Muchehiwa, uyo anoti akatochwa ari mumaoko ehurumende mushure mekupambwa kwaakaitwa muna Chikunguru gore rino.

Asi hurumende iri kuramba kuti ine chekuita nekupambwa kwa Muchehiwa, uyo anove muzukuru wemupepeti webepanhau repaindaneti re ZimLive, Mduduzi Mathuthu.

VaSikhala, avo vanove zvakare mutevedzeri wasachigaro we MDC Alliance, vanoti ivo nemhuri yavo, vaenda kuBulawayo kunoona Muchehiwa, izvo vati vacharamba vachiita kuvanhu vose vavati vari kushungurudzwa nehurumende.

Mathuthu anyora paTwitter kuti afara zvikuru nekushanyirwa kwaaitirwa naVaSikhala.

We thank him for his courage in his leadership sphere, and empathy with our family,” adaro Mathuthu paTwitter.

VaSikhala mumwe wevanhu vakasungurwa kukurudzira kuratidzira kwakanga kwakarongwa kuitwa musi wa Chikunguru 31.

Vamwe vakasungirwa nyaya iyi mutori wenhau, Hopewell Chin’ono naVaJacob Ngarivhume, mutungamiri weTransform Zimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJob Sikhala