Nhengo nhatu dze MDC-Alliance dzakasungwa nezuro dzamiswa pamberi pedare redzimhosva nhasi ndokubhadhariswa mari yechibatiso inoita zviuru zvishanu zvemadhora pamunhu kuitira kuti dzitongwe dzichibva kumba.
Nhengo idzi nhatu dzinoti, VaAleck Tabe, avo vanoda kumirira MDC Alliance inotungamirwa naVaNelson Chamisa musarudzo yakanzura weWard 4; nhengo ye MDC A national executive, Amai Magret Chakabuda, pamwe naVaVingisai Nerupandai
Vatatu ava vakasungwa nezuro ndokuvata muchitokisi husiku hwese vachinzi vakaita musangano pasina mvumo, kwaAphiri mu Ward 4 mudhorobha reMasvingo.
Rimwe remagweta evatatu ava, VaPhillip Shumba, vati vatatu ava vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nemutongi, Amai Patience Madondo, avo vati vabvise zviuru zvishanu zvemadhora eRTGS pamunhu, kuitira kuti vatongwe vachibva kumba
Rimwe gweta ravo, naVaMartin Mureri, vati vatatu ava havasi kubvuma
mhosva yavari kupomerwa vachiti vari kushugurudzirwa zvine chekuita
nezvematongerwo enyika sezvo sarudzo dzekutsviva vakadzingwa muparamende nemumakanzuru dzava kuitwa musi wa26 Kurume.
Mutevedzeri wemutauriri weMDCA muMasvingo, Muzvare Lee Mahachi,
vashoropodza kusungwa nekushungurudzwa kuri kuitwa vatsigiri vavo.
Kusungwa nekupinda mudare kwevatatu ava kunoitika pasina svondo mbiri imwe nhengo yeMDC Alliance, VaJohn Mupanduki,v ekuBikita, vakapambwa vakatochiwa kwemazuva maviri ndokuzosiyiwa vakandwa padivi pemugwagwa kuMashava.
Gore rapera mumwedzi waMbudzi, imwe nhengo yeMDC-A, VaNyasha Zhambe Mawere, vakafa kwaGutu mushure mekurohwa nevanonzi vatsigiri veZanu PF.
Asi sachigaro weZanu PF muMasvingo, VaRobson Mavhenyengwa,, vanoti bato ravo hariiti zvemhirizhonga vachiti vanokoshesa kuchengetedza mutemo.
Your browser doesn’t support HTML5