Madzimai ekuChipinge South Oraramisa Mhuri Kuburikidza neKutengesa Mbeva

  • Jonga Kandemiiri

Mbeva imwe chete inonzi iri kutengeswa nemadhora gumi kana madhora makumi maviri emari yemunyika, kana kuti mbeva gumi neshanu dzichitengwa nedhora rimwe rekuAmerica.

Vakawanda kuChipinge South, zvikuru madzimai, vanoti vave kukwanisa kuraramisa mhuri dzavo kuburikidza nekutengesa mbeva dzavanobata muminda yavo.

Mumwe wemadzimai aya, uyo akada chete kungonzi Amai Chipo, kubva zvavatanga kuteya mbeva vachitengesa,vakawanda vave kukwanisawo kutenga zvakawanda zvinosanganisira chikafu, midziyo yemumba, mbatya dzekupfekedza mhuri,uye vamwe vachikwanisawo kutotenga nzvimbo dzekuvakira dzimba.

Amai Chipo vanoti vanonocherera migoro ine mvura muminda yavo vodira nzungu kana chibage zvakakangwa kutenderedza migomo iyi, usiku mbeva dzozouya dzichida kudya dzanzwa kunhuhwira dzichibva dzawira mumvura muya.

Amai Chipo vanoti usiku humwechete vanogona kubata mbeva dzinosvika mazana matanhatu kana kudarika, idzo dzavanozogadzira vokanga vachizonotengesa kumadhorobha akasiyanasiyana.

Vanoti mbeva imwe chete inoita Rand imwechete kana kuti ZWL$20.00, kana kuti mbeva gumi neshanu padhora rimwechete rekuAmerica. Amai Chipo vanotiwo vari kurova shiri mbiri nedombo rimwechete sezvo vari kuwanawo zvakare mafuta ekubikisa kubva mumbeva idzi.

Panyaya yekuti havasi kutengesera vanhu makonzo here, vachiseka zvavo, Amai Chipo vanoti pane musiyano mukuru kwazvo pakati pegonzo nembeva zvekuti havangamboita zvakadaro, vachiti mbeva dzakawandisa kwazvo zvekuti havangabate makonzo vachisiya mbeva.

Asi vanoti havasi kufushira makomba avanenge vachera vachiisa migoro yavo vachipa zvikonzero zvekuti anenge asina kudzika, uye avozofuchirwa nemvura kana yanaya.

​Amai Chipo vanokurudzira vamwe, zvikuru madzimai, kuti vasangomirira chete kuti murume kana baba vemba ndiye achariritira mhuri. Vanotiwo munhu haafanirwe kunyara kuita basa rinomupa mari, kunyange richitarisirwa pasi zvakadii nevamwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Chipo