Komiti yeParamende Yoshanyira Bulawayo Zvichitevera Dambudziko reMvura

Byo Mayor Mguni

Komiti yeparamende inoona nezvekutongwa kwematunhu, iyo inotungamirwa naChief Ngungumbane, yakasangana nemakanzura pamwe nevakuru vakuru vekanzuru muBulawayo neMuvhuro, kuti inzwisise nezvedambudziko remvura ranetsa muguta reBulawayo.

Nekuda kwekushomeka kwemvura kanzuru iri kukwanisa kupa vagari mvura kamwe chete pasvondo, uye pane vanhu gumi nevatatu vafa kusvika pari zvino nekuda kwechirwere chemudumbu.

Kanzuru inoti inoda mari inosvika mamiriyoni makumi manomwe nemanomwe emadhora ekuAmerica kuti igadzirise dambudziko remvura. Asi bazi rekutongwa kwematunhu rinoti panodiwa mamiriyoni masere chete emadhora ekuAmerica.

Vachipindura mubvunzo wekuti sei pane musiyano wakadai, vakuru vekanzuru vakaudza komiti iyi kuti mari inodiwa ndeyehurongwa hunogona kugadzirisa dambudziko remvura kwenguva refu, kwete zvekungogadzirisa kwechinguva chidiki.

Imwe nhengo yekomiti iyi, VaBramwell Bushu, vanove mumiriri weShamva South mudare reparamende, vakaudza Studio 7 kuti komiti yavo yakaona zvakakosha kuita musangano uyu, mushure mekunge vasangana negurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, munguva pfupi yapfuura, kuti vanzwe zviri kuitwa nehurumende pamusoro pedambudziko riri muBulawayo.

VaBushu vakati dambudziko rekushaikwa kwemvura rinofanirwa kugadziriswa nekukasika.

Mukuru wezvehutano mukanzuru yeguta reBulawayo, Dr Edwin Sibanda, vakaudza komiti iyi kuti ongororo yavo yakaratidza kuti pane zvirwere zviviri zvemudumbu zviripo zvinoti dysentery netyphoid asi havasati vaziva kuti chii chakakonzera zvirwere izvi.

Zvinofungidzirwa kuti pane kusangana kwemvura ine tsvina neyakachena nekuda kwekudhuuka kwemapaipi kunyanya mumusha weLuveve umo muri kunyanya kutekeshera chirwere ichi.

Meya weguta reBulawayo, VaSolomon Mguni, vakaudza Studio7 kuti kanzuru yakatanga chirongwa chekubvisa mapaipi anofambisa mvura esimbi vachitanga nemumusha wemuLuveve asi izvi zvichaitwawo muguta rose.

Nezuro mangwanani meya nemamwe makanzura vakange vashanyira musha weLuveve kuti vaone basa riri kuitwa uye kushanyira mhuri dzevamwe vakafa nechirwere chemudumbu.

Kanzuru yakatora danho rekuti vanhu vose vari kurwara nemudumbu varapwe pachena.

Munyori mukuru werimwe remasangano anomoririra vagari, reBulawayo Residents Association, kana kuti BURA,Amai Louisa Mangisi vanoti sangano ravo rinotambira zviri kuitwa nekanzuru mukugadzirisa dambudziko remvura.

Vakambove gurukota rezvehutano muhurumnebde yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanoti pave nenguva yakareba dambudziko rekushaikwa kwemvura muBulawayo riripo uye hurumende inofanirwa kubatsira kugadzirisa dambudziko iri pasati pave nevamwe vanhu vakawanda vanorasikirwa nehupenyu.

Kanzuru yeguta reBulawayo inowana mvura kubva kumadhamu matanhatu ari kunze kweguta asi mamwe emadhamu aya haasisina mvura.

Pakurudziro yekuti kanzura inofanirwa kuwana dzimwe nzvimbo dzingawanise gutmvura, kanzuru inoti kunze kwekuwana mvura kubva kuzvibhorani zvekuNyamandlovu Acquifer, inogona kuwanawo mvura nekuchenesa mvura ine tsvina inopinda mudhamu reKhami kuti igokwanisa kushandiswa nevagari.

Kuvepo kwedhamu reGwayi-Shangani kunogona kubatsirawo kupedza dambudziko rekushaikwa kwemvura asi kupera kuvakwa kwaro kuri kutora nguva nekuda kwekuti hurumende inogara ichichema-chema nekushaya mari.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Kudzanai Musengi