Mabharani mukuru wenyika kana kuti Registrar General, VaClemence Masangano, vazivisa kuti mahofisi avo achavhura mahofisi emapasipoti kuChitungwiza munguva pfupi inotevera senzira yekuderedza mitsetse yemapasipoti muHarare.
Vatiwo kunyange hazvo vaine mahofisi emapasipoti mumatunhu ese munyika, hofisi yavo kudunhu reMashonaland East iri kuMarondera haisvikike nyore nevanhu vanobva kune dzimwe nzvimbo mudunhu iri dzakaita seMaramba-Pfungwe neUzumba, izvo zvave kuita kuti vavhure imwe hofisi yemapasipoti paMurehwa.
Vatiwo mahofisi avo akatarisana nedambudziko rekushaikwa kwemari yekunze zvekuti vave kugadzira mapasipoti mashoma pane avanofanira kugadzira.
VaMasango vatiwo vanhu vanofanira kutorera vana vavo zvitupa zvekuzvarwa sezvo izvi zvichiitwa pachena kudzamara munhu ave nemakore matanhatu.
Vatiwo vanhu vanofanirawo kutora magwaro ekufa kana kuti maDeath Certificate, vachiti havakwanisi kubvisa munhu pamagwaro avo kana pasina avazivisa kuti munhu uyu akafa.
Your browser doesn’t support HTML5