Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvikuru zviri kunze kwenyika zviri kunyunyuta zvakasimba nekwazvinoti kukundikana kwehurumende kuzviwanisa magwaro ekufambisa matsva kana kumutsiridza anenge apera kushanda, izvo zvave kuita kuti vamwe vavo varasikirwe nemabasa.
Hurumende yakanga yambozivisa svondo rapera kuti zvinhu zvakanga zvave kuzoreruka sezvo yakatenga mapepa nezvimwe zvinodiwa mukugadzirwa kwemapasipoti.
Asi tsvakiridzo yaitwa neStudio7 inoratidza kuti hurumende iri kutotarisira chikamu chekutanga chemapepa akatengwa aya pamwe nezvimwe zvinodiwa mukudhindwa kwemapasipoti zvakaita se ink zviri kutotarisirwa munyika pakati pemwedzi unouya.
Mushandi uyu atiwo pari zvino hapana chiri kudhindwa kumahofisi kwavo, izvo zvinopesana nemashoko anga achiburitswa nevamwe ekuti zvinhu zvave kutanga kufamba.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuSouth Africa, VaMaxwell Mwale, vanoti vari kuchema zvikuru kuti pasipoti yavo yave kupera kushanda pasina hurongwa kwekuti vawane imwe nekukasika.
VaMwale vanoti vanhu vakawanda muSouth Africa vave kuvharirwa mabhuku avo ekumabhanga sezvo vasisina magwaro anovabvumidza kugara nekushanda munyika iyi zviri pamutemo.
VaMwale vanoti vanhu vakawanda vave kungogara vasina mapasipoti, kunyange hazvo vachityira kuti vachabatwa vachidzoserwa kumusha.
VaMwale vanokurudzira hurumende yeZimbabwe kuti igare pasi nevatungamiri venyika dzine zvizvarwa zvayo votsvaga nzira dzingabatsira vanhu ava, pane kuti vadzoserwe kumusha.
Your browser doesn’t support HTML5